Nyamatsatse (kureva Mercury; chikwangwani: ☿) Nyamatsatsi kana Nyamasasa chindeya chidiki kwazvo muMutandiro weMushana. Nyamatatse ndicho chindeya chonoteera mushure Zuva, izvi zvinoreva kuti ndiro pakata pezvindeya zvese riri pedyo nezuva. Kumashure kwaro kunaHweva, uye mukuboterera Zuva kwaro rinotora mazuva 87.97 eRinopasi, inguva pfupi pane zvimwe zvindeya zvese zvinopoterera zuva.

Muenzaniso wemakuriro weNyamatsatse neRinopasi

Nyamatsatse[1] inyeredzi yemangwanani uye yekumabvazuva. Zita rechindeya ichi futi raivanzo shandisirwa chindeya chatinoti Hweva nechikonzero chekuti vanhu vaivhiringika nokusanganisa zvindeya zviviri izvi.[2]

MuchiBantu

chinjirudza

Mitauro yeZimbabwe

chinjirudza
  • Chitsonga chinoti - Gongomela .[3]
  • Chixhosa chinoti - uMekhyuri .[4]
  • Chisoto chinoti - Mekhuri.[4]
  • Chitswana chinoti - Mekhuri.[4]

Mimwe Mitauro yeBantu

chinjirudza
  • Chiswahiri chinoti - Utaridi shoko iri rinobva kuChiarabhu.[5]
  • Chizulu chinoti - uNomjubane izita raNyamatsatse muChizuru[4]
  • VaLamba vanoti insase (n. Rays of light, dazzling light, glitter, radiance).

Mabviro eruzivo

chinjirudza
  1. Vashona, 29 Zvita 2018, 'Nyamatsatse', Zita: Kirasi 9, Manyika-Zezuru. Yakatariswa: 5 Chikumi 2021
  2. F.W.J McCosh (et. al), n.d, 'The Rhodesia Native Affairs Dept. Annual for 1979', The African Sky; Planets. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021
  3. sn:wiki contributors, (6 Chikumi 2021), 'Chindeya', Mazita eZvindeya MuChiBantu. Yakatariswa: 7 Chikumi 2021
  4. 4.0 4.1 4.2 4.3 Bomar S, 2010, 'Mazita ezvindeya mumitauro yese' Copyright: Attribution Non-Commercial (BY-NC) Yakatariswa: 7 Chikumi 2021
  5. sw:wiki contributors, (4 Gunyana 2020), 'Sayari', Sayari za jua letu. Yakatariswa: 7 Chikumi 2021