Svetuka kuchirochemo

Bhahari

Kubva Wikipedia
The printable version is no longer supported and may have rendering errors. Please update your browser bookmarks and please use the default browser print function instead.

Tarisai futi Mabhahari e pasirose, uye Magungwa e pasirose

bhahari

Bhahari [1][2] (nge. sea) ishoko reChishona rakabva kuChiarabhu nekuda kweChiswahiri rinoshandiswa kusiyanisa gungwa ne iro bhahari, chikamu chidoko chemakungwa. Bhahari rakakabatana segungwa re pasirose kana gungwa basi, uye ndiro mwiri wemvura une munyu unovhara 71 huwandu hwe Rinopasi rese. Izwi rekuti gungwa rinoshandiswawo kureva zvikamu zvechipiri zvegungwa, zvakaita seBhahari re Medhiteraniya, pamwe nemamwe makuru, akavhara zvachose, madziva emunyu, seBhahari re Kaspiya.

Zita

Zita rekuti bhahari rakabva kuizwi reChiarabhu, rekuti bahar (بهار) asi nekuti mazwi echishona haaperi asina zvinzvovera, panowedzerwa 'i'.

Izvi zvinogona kunge zvakaitika muchinyakare, paisangna Vashona neVaswahiri uye Vaarabhu pavaigovana zvinhu. Izwi rinowanikwa ku Chiswahiri futi, vakaritora kubva kuChiarabhu wo, uye vanowedzera 'i' sezvinoita Vashona. Pamusoro pezvo vanorishandisa kutaura nezve gungwa uye ne iro bhahari, asi vanoti bahari kuu (bhahari kuru) vachireva gungwa, vozoti bahari chete vachireva bhahari.

Mabhahari e nyika

Chinyorwa chikuru chiri ku: Udorongodzwa hwe mabhahari

Mubhaibheri

Yeshua vakatsiura bhahari rikadzikama pakare pakare - Jesus rebuked the sea and it became calm right away.

Ringai zve:

Mabviro eruzivo

  1. George Fortune, 1930, 'A vocabulary of the dialects of Mashonaland in the new orthography' Peji. 2., Bertram H.Barnes, C.R., London, The Sheldon press, Northumberland Avenue W.C.2, University of Florida Libraries.. Yakatariswa: 23 Chikumi 2021 Muchinyakare pakanyorwa) nwadhi (bhuku) iri mabhi eChishona akange akasiyana - Shona Wiki."Chishona: Mabhi ekare"
  2. Duramazwi re Vashona, 11 Gumiguru 2019, "Bhahari" Rakatariswa: 2021-2022