Mhuri
Mataridziko
Shoko rokuti mhuri (family in English) rinoreva vanhu vane ukama hweropa vanoti: baba, amai; vana vavo; sekuru naambuya vakabereka baba; vakoma nevanin'ina vababa; hanzvadzi dzababa zvichingodaro.
- Mune kumwe kutaura mazwi anoti imba namhatso anoshandiswawo zvakare kureva mhuri. Sokuti imba yaChangamire yakatonga makore anoda kusvika makumi mana.
Vanhu vemhuri imwe vanowanza kunge vachishandisa zita remhuri rakafanana. MuZimbabwe vanhu vemhuri imwe vane mutupo wakafanana.
Mhuri yakakura inotaurwa ichinzi buri.
- Nhundu (A family and its belongings) apa kureva mhuri nenhumbi dzayo. KuChiChewa mtundu zvinoreva kind, tribe.
- Mubereki kana mubari munch angava murume kana mukadzi akabereka mwana.
- Dungwe (whole lineage from first ancestor until now).
- Mapanze kana mabvumwa (quickness of human growth). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Mapanzure.
- Vatevedzani, ana budandibudewo kana varumudzani (children born one after the other).
Tsika
Govero kana magovero (1. Family name; 2. Stock of common descent). Zita rake rokuzvarwa regovero ndiMudzingwa: his chidao is Mudzingwa.
- Gotwe, rugotwe, hokotorwa, chikokotorwa, chigumaura kana chigumisirwa zvinoreva mwana akapedzesera kuzvarwa mumhuri.
- Dangwe ndiye mwana akatanga kuzvarwa mumhuri. KuKalanga vanoti mbano - (firstborn child).
- Muzari (eldest son; any son of king) apa kureva chero upi mwanakomana wamambo.
Tsumo
- Ane mhuri mdeane mhurikadzi, mhurirume inozvitsvagira. The one with daughters has a family; sons will look after themselves.
- Pako hapana radoka. At your home there is no sunset.
- Kwako hakuna radoka. At your home there is no sunset.
Mitauro yeBantu
- VaSwahili vanoti mbari (family, clan, tribe). VaChewa vanoti mfunda (a family) vachireva mhuri.
- VaGanda vanoti oruganda, ruganda kana luganda (family, kindred, relations; tribe, company) kureva mhuri nehama kana rudzi.
- VaNyungwe vanoti ubale (family) kureva mhuri. Mamwe mazwi: banja kana mabanja pakuwanda (n. family) kureva mhuri.
- VaTonga vanoti ciinga kana mukwasyi (family) kureva mhuri. Baila vanoti mukwashi kureva mhuri.
- VaLungu vanoti ulupwa (family) kureva mhuri. VaMambwe vanoti lupwa. Mamwe mazwi: umulupwa (in the family; relative) kureva mumhuri kana hama.
- Baila vanoti chilu (family. clan, race) vachireva mhuri kana dzinza. MaZulu vanoti umkhaya kana ulusapho (n. members of the family) kureva vanhu vemhuri imwe.