Kuseka
Kuseka (Laughing) chinhu chinoitwa nemunhu kana anakidzwa nezvaaona, zvaanzwa kana zvaayeuka mupfungwa make.
Tsetswa, setswa kana matsetswa (inclination to laugh) dzinotaurwa apo munhu anobatwa nekuda kuseka asi imwe nguva achizama kusada kuseka kwacho.
- Kusekenyedza kana kutekenyedza (tickle).
- Mujeye; musere; mushazhe; rusetso (humour, fun).
- Mushazhi humorous person).
- Chikwee
Tsika
chinjirudzaMamwe mazwi anoreva kuseka ndeanoti: kupwatika; kubvaruka.
Mitauro yeAfrika
chinjirudza- MaZulu vanoti sina (Grin; show the teeth; snarl) kureva kuzhinya. Kinande vanoti erikwekwe (n. bursts of laughter) kureva chikwee.
- VaKikuyu vanoti kotheka (to laugh) kureva kuseka. VaKikuyu vanoti otheki (laughter) kureva kuseka.
- VaGanda vanoti okuseka kana okusekerera (laugh) kureva kuseka kana kusekerera. VaGanda vanoti enseko kana okusekerera (laughter).
- VaBambara vanoti ɲin kana ɲi (n. tooth) kureva zino. VaWaalii nyina (n. teeth) kureva mazino. Fananidzai nokuti kunyinura?.